Marenje mapira akasiyana-siyana. Mukaita bira remashavi, moita bira revadzimu. Moitawo rimwe bira ramunenge muchida kuita, irenje ramunenge muchiita. Saka ndomarenje acho anenge achitaurwa iwayo, mapira akasiyana-siyana. Mamwe aya anoitirwa musango, sezvakaita atinoita ekudya chibahwe, rinenge riri renje rinoitwa musango iroro. Rekukumbira mvura irenje rinoitirwawo musango futi. Ndomarenje acho iwayo.