Muridzi ndiTute Chigamba, dambarefu rinonzi Yangu Ndega
Vanhu vazhinji havanyatsoziva chinonzi muzoriwa chii. Muzoriwa rumbo runoridzwa vanhu kana vava kukumbira mvura. Munobva kuseni muchiridza Muzoriwa chete, hamuridze dzimwe dzimbo. Muzoriwa kureva kuti tava kusvika nguva yekurima, tiri kukumbira mvura. Iwewe kana uri murimi akakwana, usatye kuzorwa chii? Mavhu. Usatye kuzorwa mavhu nokuti ndonguva yacho. Yasvika. Wakaikumbira nguva iyoyo, kuti yava nguva yekuzorana mavhu. Hazvityise, hazvidii? Musarwe kana kuita sei. Nokuti ndonguva yacho iyi, mvura yava kunaya.