Zaranyika, yakaridzwa naTute Chigamba padambarefu rinonzi Yangu Ndega
VaChihoro vaifarira chaizvo Zaranyika. Tikangoridza rwiyo urworwo unotoona vakutora hari yavo, vava kuenda kunochera mvura. Voenda panze nokuti tap dzedu dzaive kunze. Saka vaienda kutap kunochera mvura, voisa muhari, voisa pamusoro, vouya vachitamba nehari iyoyo. Vanga vasina hata, vaingotamba yakagara pamusoro apa, vachiuya nayo. Vakapfugama, vaitamba vakapfugama. Vaitamba vakapfugama, vosvika, vonopa hari iyaiya kumudzimu.
Saka Irene obva azoti, “Apapa ndoda kutorawo chii? Iyoyi, tiise kudance kwedu kugroup.” Ndobva atanga kutraina vana vaduku kutsiga hari idzodzo dzine mvura. Saka ndokwazvikabvira ikoko, parumbo irworwo, Zaranyika. Ndorwakaunza zvehari, yekuisa hari pamusoro. Iye zvino izvi Zimbabwe yese manje yakwana. Kana pamusangano pese unoona madzimai vakaisa hari dzavo pamusoro, vachienda kunoisa kumaPresidents. Ehe, saka ndopaikabvira ipapapa.