Muridzi ndiTute Chigamba, dambarefu rinonzi Yangu Ndega
Tinovatenda rwakave rumbo rwakasarudzwa. Asi ndakanga ndangoti, “Ha, regai ndingovarairwa zvangu semunhu anoridza mbira.” Ndinzwe, “Ha, pari kubuda zvimwe zvinhu zvinonakidza apa!” Ndobva ndaramba ndichingoenderera mberi.
Saka rumbo ruya ruya, ndakazoti ndava kuridza manje tiri kuOld Highfield kuya kuya. Ava VaMutumwa vakanga varipo. Saka zvavakanga varipo ndobva vateerera, ini ndiri kuridza, ivo vari kuteerera. Ndobva vakandibvunza kuti, “Wafawanaka, rumbo urworwo runonzi chii?” Ndikati, “Ha, handisati ndamborupa zita ini.” Zvikanzi, “Ha, chimbo chemuteuro.” Ndikati, “Ho?” Zvikanzi, “Kana tava kuenda kuDomboshava, kwaChiriseri uko, toda kuti muridze chii? Rumbo irworwo.”
Takaenda kwaChiriseri tikanoridza rumbo irworwo, ehe. Asi zvakaita kunge hameno zvakaitika ipapo. Pakazongobudawo mumwe mudzimu, ndobva vanongedzera mudenga, vanhu ndobva tatarisa ndokuona mumuti umomo, mumuhacha, makasungirirwa matombo anokwana matatu. Akasungirirwa akarembera ipapo patanga tiri ipapo, tichiridzira mbira parushanga pacho. Ndobva zvabviswa, zvikanzi “Bvisai, munhu wacho tamuziva.” Tobva tadii? Tobva tabvisa zvinhu zviya.
Munhu iye aiziva kuti pari kuitwa zviri kuitwa apa. Munhu anenge aita chipini. Saka chipini kutoreva kuti unenge watora mwana, mwanaasikana wako, womuita mukadzi, kana kutora hanzvadzi ukamuita mukadzi, kana kutora mukadzi wemuzukuru ukamuita mukadzi, chipini. Hazvibvumirwe. Kana ukatora amai ukavaita mukadzi, hazvibvumirwe.
Kare waitodyiwa neshumba. Iye zvino izvi zvakungozi, “Ha, zvakapera, unoenda kuna Mambo unobhadara,” asi kare, ha, zvaimboita. Waingoti uchibuda panze so waita izvozvo, wobva wadyiwa neshumba. Nokuti vakanga vasingadi zvinhu zvakadaro. Ehe, chipini chitadzo.
Saka ipapo, munhu iyeye aidzivirira kuti midzimu isaone kuti ndozvaakaita. Saka midzimu iya ndobva yakurumidza yadii? Yaona. Nokuti VaMutumwa vakauya, vakatenderera vane tusikana, vakatarisira mumuti imomo. Vatarisa mumuti ndobva vadii? Ndobva vatarisa zvavo pasi. Mudzimu ndobva wauya, zvikanzi, “Mune zvinhu zvakasungirirwa mumuti.” Kwava kusvika paye, kwava kudimbura zvinhu zviya izvi.
Saka munhu iye akanga asungirira kuti adii? Vadzimu ava vasaone zvaakaita. Nokuti munhu iye akanga akanzi akanotora mukudzi wemuzukuru. Muzukuru akanga asina mbereko. Saka ndobva anopinda mumba memuzukuru zvisingabvumirwe, ndozvaakaita izvozvo. Ndokuitisa vana mumba memuzukuru.
Saka zvinhu zvakaipa zvinokurumidza kubuda. Ndobva zvabuda, ndobva zvazivikanwa. Saka paaidzivirira kuti midzimu isamutonge, kuti imubhadarise, ndozvaaidzivirira nematombo ayaya.
Saka ndozvatinoita muno umu. Ha, izvozvo hazvibvumirwe izvozvo, nokuti kana uri munhu mukuru haudzokere kumashure, unoenda mberi. Iwewe pamberi pako pane vanhu vakuru varipo, ndovaunotevera ivavo. Ava vari kutevera iwewe, ava vanenge vachitevera iwewe. Iwe haucheuke.
Ehe, zvakafanana nekuti kana uri mukuru, mukadzi wemunin’ina anotevera kwandiri inini muroora. Haasi muramu wangu wekuti ndinotamba naye, aiwa. Ini ndinotamba naamaiguru, mukadzi wemukoma. Ndovanotoita chiramu chakakwana. Asi kumunin’ina uko, iye anenge ava muroora manje. Iye handikwanise kudii? Kuita chiramu chakadaro.
Saka izvozvo zvinopinda matiri isusu manje, muchivanhu chedu. Hatikwanise kuita izvozvo. Ehe, chipini. Saka mowana dzimwe nguva vanhu vari kufa zvakanyanya muno umu. Hakusi kureva kuti kurwara kana kuita sei, ndozvinhu zvacho izvozvo, hatichazvikoshesa, hatichazvitevedza.
Vadzimu tovaita vasina basa, asi zvinhu zvavo zvavakatipa izvi zvinei? Ndozvine upenyu hwedu isusu. Ndozvinoita kuti Mwari azive kuti tiri ipapa here, takakwana, takadii? Zvese izvozvo izvi zvinozivikanwa nei? Nemidzimu yedu. Saka ndopane dzimwe dzimbo dzatenge tichitaura dziya dziya.
Saka tabva ipapo manje ndopandikati, “Ha, rumbo urwu rwadiwa. Regai ndidii? Ndirambe ndichingoridza rumbo rwacho.” Saka ndanga ndava kuti chero patinotanga kuridza mbira ndodii? Ndinoridza rumbo irworwo. Rwava kunge anthem yembira. Saka taridza irworwo vanhu takanyarara, tozopedzisera todii? Toita zvimwe zvatinoita. Ehe.