Varidzi ndiTute Chigamba, Irene Chigamba, Musekiwa Chingodza, naNgonidzashe Chingodza, dambarefu rinonzi Muzazananda
Taireva, zvakafanana nevana vasinganzwe zviya zviya. Unenge uchiudza mwana, “Iwe! Kwauri kuenda ukoka hakuna kumira zvakanaka. Kwauri kuenda uko, hauzvizive kuti uko kwakamira zvakati, zvakati, zvakati.” Iwe unoti, “Ha, zvipi izvozvo? Vari kutaurisa ava.” Woenda, wosvikowana zvaunowana kuya kuya, wodzoka. Voziva vachiti, “Ah, takamboreva, takamboreva. Wazvionaka?” Ehe, kunenge kuri kuyeuchidza munhu. Munhu anoda kuudzwa. Kwete sebenzi rinozoudzwa radzoka, aiwa. Iweweka hausi benzi, udzwa uchinzwa! Kana woenda, woenda uchiziva. Zvino kana wava kuita sebenzi rinozoudzwa radzoka, zvinhu hazvizoita.