Rumbo rwavanoti Nyamaropa rinoenda pamubvamaropa watinogadzirisa mbira futi. Ehe, rinoenda pamubvamaropa. Kana pakuchitaurwa manje, pane zvimwe zvinhu zvokuti mubvamaropa unopinda paNyamaropa, nyama chaiyo chaiyo yeropa inopinda futi pai? PaNyamaropa, nokuti nyama yeropa, kana tava kutotsvaga nyama yeropa, kuvhima kuya kuya kwatinoita. Tava kutsvaga ine ropa, todii? Touraya.
Saka vakuru vekudhara vakanga vasingaite zviri kuitwa mazuva ano izvi, zvekuti kana mafunga zvekuvhima mhuka munenge muchatodzipedza dzese musi mumwechete. Aiwa. Kwaitorongwa mazuva ekuenda kunovhima. Vanenge vachiti “charara,” kureva kuti, kana vachiti, “Tava kuenda kucharara,” tiri kuenda kunorarira musango. Vopedza svondo variko, vachivhima zvavo. Vodzoka ndizvozvo, vogara, vanotombokanganwa. Onzi, “Dzimboberekana.” Zvino isusu mazuva ano, tiri kuti mhuka iyoyo haifanire kubereka, haifanire kuita sei? Tinoda kutoiuaraya chete. Ko dzimwe dzacho mozodziwana kupi?