Muridzi ndiTute Chigamba, dambarefu rinonzi Yangu Ndega
Nyamamusango rumbo rwekuvhima. Nyamamusango, tinoti mazuva ano vanhu vanoenda kubasa. Kare vaivhima. Munhu anosara pamba achinzvenga mutsvairo, madzimai achitsvaira, anzi, “Ah! Ko, bvisaika gumbo rako, titsvaire!” Iwewe uchidai so, uchidai so, uri kunzvengaka mutsvairo! Vamwe vari kuvhima uko, vachauya nenyama.
Vauya nenyama, vosvika, voti, “Ah, isusu tauyaka isu.” Wonzi, “Ah, shamwari, ko, ungambondipo nhingi, undidimburire ka, chidimbu chete chenyama so, onzi, “Ah, iwe! Nyama iri musango. Kana uchida nyama, enda musango, unovhima uko.” Ehe.
Zvakafanana nezvino, mazuva ano vanhu vari kuenda kubasa. Iwe unoswera uri panapa. Munhu atambira mari yake woti, “Ah, shamwari, chimbondinwisewo kadoro nhasi.” Oti, “Ah, iwe! Mari iri kubasa uko. Enda unotsvaga basa, usevenze. Ndokune mari. Kana wakudawo marika, unoendawo kubasaka, wosevenza, woiwanawo mari yako.”
Saka, nyama iri musango. Ehe, pamba hapana nyama, hauna danga remombe, ko unoiwana kupi nyama? Kana huku hauna, kana mbudzi hauna, unoiwana kupi nyama? Iwe woenda musango, unovhima uko. Ehe.
Kana ukaendawo nevamwe, usina imbwa kana usina, une demo rako, demo rako iroro, rinoshanda zvarinoshanda imo musango imomo kana tabaya mhuka. Ehe, unowanawo padikidiki. Ehe, wouya, wopa vana, vodya.