Varidzi ndiTute Chigamba, Irene Chigamba, Musekiwa Chingodza, naNgonidzashe Chingodza, dambarefu rinonzi Muzazananda
Nhimutimu iguruva riya riya rinodii? Ratinowana pakutamba kunenge kuchiita vanhu. Vanhu vanenge vachitamba vanoti ivo, “Iye zvino izvi yava nhimutimu, guruva riya riya rinoenda.”
Dzimba dzedu dzinenge dzakadaika, guruva rinobuda richienda kunze. Raenda kunze, guruva iroro ndorinoudza Musikavanhu kuti vana ava vane zvichemo zvakati zvakati zvavari kuchemera.
Mumwe anoti, onzi, “Ah, inini pandikabva paye pabira payapa, ndakasvikoenda uko ndikanotsvaga basa, ndikawana basa. Saka bira riya ndorakandidii? Rakandibatsira.”
Ehe, inhimutimu. Iwe wakanga uchingotamba, hauna zvawaiziva. Asi guruva riya raitaura zvaraitaura, zvichemo zvako iwewe. Saka zvakadii? Zvakadairwa.