Muridzi ndiTute Chigamba, dambarefu rinonzi Yangu Ndega
Kana wavaka musha wako wozobika hwahwa, wodaidza vanatezvara, vauye navanababa. Ndopanoridzwa nhemamusasa, ehe. Saka, kureva kuti watema wako musasa, yoridzwa nhemamusasa. Vanhu vese vanenge vava kuziva kuti pane nhemamuasa iri kuridzwa apa, mumusha mutsva. Ehe, mumusha mumutsa. Saka musha mutsva uyauya unenge wakuridzirwawo nhemamusasa, kuyeuchidza vanhu kuti patema musasa pano. Mwana ava kugara pano nemhuri yake.