Muridzi ndiTute Chigamba, dambarefu rinonzi Yangu Ndega
Kuzanga rumbo rweshanje. Runonzi Nhema, ndozita racho chairo chairo. Vakuzanga ndavadzimai vakuru. Vadzimai vakuru ava, vanenge vane mhuri dzavo. Vakura. Kwotsvagwa, murume anoroora mumwe mukadzi. Mukadzi uye mudiki, ndiye anenge ava kunzi Chandide. Mudiki uyu manje, ndiye anogona kuti kana paita rwendo, anoenda nababa. Ehe, ndiye Chandide manje, anenge achidiwa. Saka Vakuzanga vanosara vachizangarika zvavo vari pamba. Ivo Vakuzanga ivavava, kana vagumbuka vachazorwa sechipembere. Ehe, nokuti nhema chipembere.