Ndirire ndakainzwa ichinzi Ndirire. Zvino ndakazonzwa zvichinzi kune mushonga unonzi ndirire. Ndikati, “Ha, manje tingazoisa here pambira kuti ndirire?” Ndikati, “Ha, zvinomboitawo zvazvo, asi…”
Zvinonzi kune mushonga unowanika anzi kuMasvingo. Mushonga uwoyoyo vanoushandisa kune vanhu vanoba vaye. Vanoushandisa, vanongosvikovhura door, rikati dai manga makakeya door rinotovhurika, vachipinda vachitora zvinhu zvavanotora. Zvino ndikati, “Ha, kuisa pambira rekuti Ndirire, ha, ndichatotsvaga rimwe zita.”