Varidzi ndiTute Chigamba, John Green, Austin Richey, Stefan Fiol, Tony Perman, naJennifer Kyker
Mutamba muchero wakanga uchiponesa vanhu, zvakafanana nenzara futi.
Rumbo irworwo runoridzwa paviri. Pamuchero iwoyo onzi, “Mutamba hausisina matamba, wakuva.” Kureva kuti wapera matamba, hausisina. Saka matamba aya, toenda kupi? Chembere hadzina kwadzinofamba kuti dziende kure kure, dzakungodii? Dzava kushaya zvokuita.
Saka ndopakazogarwa nemunhu akudii? Akuridza Mutamba agere pasi pemutamba kuti, “Mutamba wakuva, hausisina chinhu. Saka ndoita sei?” Ava kutokumbirawo futi ipapo, aripo. Nzara yake iyaiya ichazonobatsirwawo nezvimwe zvinhu zvaanowana ehe, odya, oguta. Asi mutamba, matamba hapasisina, apera. Wakuva mutamba.
Saka rumbo runotoridzirwawo panguva yekudii? Yekuchemawo nzara futi. Ehe, zviwanikwa zvedu izvi hatichazviwana. Saka toita sei? Tava kutochema kuti zviuye zvimwe. Ehe. Zvino zvazvapera toenda kupi? Hapana kwatinoenda. Kana zvauya, todya. Pane imwe nguva futi tinodya, tobva takanganwa.