Tozoenda pane Marariromba, ndakati inini handinete kuridza mbira. Ehe, usiku hwese ndinoridza mbira, kana svondo rese rinopera ndichiridza. Usiku, masikati, ndinogona kungoridza. Saka zvakangofanana nekuti munhu anorara achiimba, haanete. Akapiwa chiparurangoma. Ehe, akadya chiparurangoma saka haanete. Ngoma inobvaruka achingoimba chete. Saka ndomabviro akaita Marariromba ayaya.