Muridzi ndiTute Chigamba, dambarefu rinonzi Yangu Ndega
Kariga Mombe, imombe yakasarudzwa nemudzimu. Imombe yakasarudzwa nemudzimu, mudzimu uchida kunza ropa. Saka mudzimu kana uchida kunwa ropa, panotsvagwa mombe, yourayiwa. Saka mombe iyoyo yaurayiwa, mudzimu wonwa chii? Ropa.
Toenda pamwe futi pokuti iwewe uri mwana, asi vabereki vari kudii? Iwe zano rako rauri kuda kuvapa iwe, pfungwa yekuti, “Ah, baba, dai manga madai-dai, dai manga madai?” Baba vanenge vachiti, “Uri mwana iwe, hauna zvaunoziva! Ini ndiri muridzi wemusha.” Saka zvikazodii manje, mangwana ukazovataurira pfungwa iyaiya vakazvidii? Vakazvigona, kuzozviita, watovakunda. Wariga mombe iyaiya. Ehe, wavakunda, wariga mombe.