Guruve, Guruve rine marere. Ndokwandikadii? Kwandikabereka, kuGuruve. Takaberekwa kuGuruve, matateguru angu arimo muGuruve imomo.
Saka ukaenda kuGuruve, kune nzvimbo zvokuti hakutaurwe zvinhu zviya zviya zvekungotaura chete, kuti zvefunny-funny zviya, musango. Unoshayika, haudzoke futi, ehe. Ukanyarwa unopedza pamwe kana masvondo maviri, kana kuti mwedzi uri musango. Ehe, wozowanika. Saka ndomarere acho manje anotaurwa iwaya, mamiracles aya anozoitika umu. Ehe, iwaya ndomarere acho iwayo.
Saka kune nzvimbo dzimwe dzinoera, hamupinde uko. Pane rimwe gomo rinonzi Chiwe. Iro riya riya taienda isusu tichifudza mombe. Taigona kusvika iko kuya. Kuseri kwacho kwegomo kune chidziva chiriko so, hachipere mvura. Unosvika, unotoona, “Ah! Chine mvura ichi.” Asi mukakanda dombo rakaita seiri riya, munogara, mugogara, mugogara, pamwe munotoswera muripo, muchirinzwa richifamba chete. Richiti, “Gudu, gudu. Gudu, gudu,” richienda pasi. Munotoswera muripo.
Zvino sevanhu vaifudza mombe, mombe dzinoendaka imimi muchitamba muripo ipapo. Hamuzodziwane! Unotozobva ikoko, uchaita zvekutsvaga!
Pane dzimwe nzvimbo futi. Kune mamwe makomo ari kuside rekuikoko kunonzi kuNyakapupu. Kune mapurazi akapiwa vanhu vaiziva kurima vaye ava, ehe, vakapiwa mapurazi iwaya. Ikoko hakusi kwekungotaura-taura. Kana ukaona mhuka ikauya mumunda mako usangoiuraya, nokuti ukaiuraya mombe dzako mudanga dzinodyiwa neshumba. Ehe, kunotoita shumba dzinouya kuzodya mombe dzako mudanga. Saka inzvimbo dzinoera.
Ndosaka zvichinzi Guruve rine marere. Ndopakauya rumbo irworwo rwekuti Guruve. Ndokwandikaberekerwawo ikoko. Nokuti ndikati, “Ndoita zvevamwe zvese izvi? Ko ini zvangu zvinobva kupi?” Ndobva ndaitawo Guruve.