Muridzi ndiTute Chigamba, dambarefu rinonzi Yangu Ndega
Dangurangu, ha, iyoyo, rinenge rava dangurangu manje rinenge rava kuitika. Pane vanhu vanenge vachikakavadzana zviya zviya, zvokuona kuti apa, vanhu avaka vachapedzisera varwa. Zvino pangaitwe sei? Moridza Dangurangu. Maridza Dangurangu, vanhu vaye ava vachacheuka manje, vonzwa kuti “Ah, mbira iri kunakidza!” Vouya. Vava kuuya vava kuteerera mbira iyaiya. Ehe, vapedza dangurangu riya ranga rava kuitika rekukakavadzana kuya kuya. Ehe, zvakafanana neMandarendare futi.