Chipembere, yakaridzwa naTute Chigamba, Sekuru Gora, naVaMoyo padambarefu rinonzi Vakuru Chaivo
Chipembere, chipembere zvakangofanana nepaShumba paya, ehe, unofanira kuziva kuti mauri kufamba umo uchasangana nezvinhu zvinodii? Zvinhu zvinouraya. Zvakafanana nanachipembere nanashumba, kana nzou inouraya futi. Saka ipapo manje kana wava kufamba, wava kuenda wakadzidziswa manje kuti, wava kuziva. Nokuti wakadzidziswa kuti kune mhuka dzinouraya, saka unoenda wava kuziva. Chipembere ukasangana nacho, chinokurwisa. Mmm, chinokurwisa. Imhuka yakaipa! Ah, chipembere chakaipa. Chakaipa!