Shumba Huru
Varidzi ndiTute Chigamba, John Green, Austin Richey, Stefan Fiol, Tony Perman, naJennifer Kyker
Dzimbo dzanaShumba dziri patatu. Yekutanga iShumba Huru. Shumba iyi inoreva kuti kana munenge muchiridzirwa zviya zviya, unoziva kuti musango mune shumba. Kana woenda, woenda wakangwarira kuti mune shumba. Unogona kudyiwa, kana kurwiswa.
Shumba Yatubwete
Muridzi ndiTute Chigamba, dambarefu rinonzi Yangu Ndega
Saka imwe iyi inenge ine nzara iyaiya, unogona kudii? Kuita zvaunoita, ukaita simba rako iwewe, inogona kukusiya, haikwanise kudii? Nokuti ine nzara, haina simba.
Shumba Yamukwasha
Kwozoita yemukwasha, Shumba Yemukwasha. Yakanzi mukwasha akagara mumusha waanatezvara nokuti isusu kare waiti ukaroora, wonogara kwanatezvara gore rese. Mwana wako wekutanga iwewe anofanira kuberekwa uri kwanaatezvara ikoko, uchiita ugariri.
Ugariri, unenge uchishanda mumusha wavo imomo, ehe, uchigaramo. Saka, uchishanda imomo, wodii? Wogara, gore rese, urimo, wozobva uchienda kumusha kwako, wava kunovaka musha wako iwewe
Iye mukwasha wataiti apa mukwasha paye paye, ogara mumusha wavanatezvara, mukwasha uyu ndobva adii? Auraywa mumusha wavanatezvara. Mukwasha ndokumuka shumba. Shumba yava kuruma vanhu mumusha umomo ichiuraya. Saka vozonotzvaga, zvikanzi, “Ah, mukwasha akadii? Mukwasha wenyu akamuka uyu akaita shumba, kuuraya vanhu. Ko, makamuurayirei? Motomuripa.” Ndopanozobviswa mwana musikana nemombe dzinenge dzichiteverawo mumashure. Ndomafambiro azvinoita manje iwaya. Havana kuita ngozi asi vakaita shumba, nokuti akamuka shumba ikauraya vanhu.
Saka ndozvakafanana neshumba nhatu idzodzi idzi.