Njera – kana kuti zviyo, kana kuti rukweza – ndopatinowana nhingetinge. Nhingetinge unoiwana yakasiyana neimwe hura so. Saka hura dzimwe dzacho dzakadai so. Nhingetinge inogona kudai so. Yodii? Pamwe unogona kuwana mimwe minwe yakabatana so, iri miviri kana mitatu yakabatana, saka inenge iri nhingetinge. Kana waiwana, unodaidzira mumwe ari pedyo newe, woti “Nhingetinge!” Ukati, “Nhingetinge,” iye oti, “Waiona! Kupi?” Iye akadaira, ozokupa chimwe chinhu. Haarambe, anofanira kutokupa nokuti wamudaidza zita rake, uchiti, “Nhingi! Nhingetinge!”