Mbira dzakanga dzine mutemo wakaoma. Chaive chiridzwa chemumba, chakanga chisiri chiridzwa chaibuda kunze. Chairidzirwa mumba mumasvikiro makuru. Mateze nembira, zvese zvainge zvisingadii? Usingaende nazvo kumba kwako. Maiti mukaridza, mosiya imomo mubanya macho. Mosiya imomo, mobuda mave vanhu.
Mutemo wembira unoti gwariva rembira kana deze haribatwi nemunhu abva kusununguka nhasi. Mukadzi akasununguka anofana kutoita mwedzi mitatu asati abata mbira dzake. Wechitatu odii? Otanga kuchiridza zvake mbira. Munhu anenge ari kumazuva ake anopedza svondo ndokuti abate mbira. Kwozoita, unogona kurova munhu. Munhu uyauya paunomusiya, ropa rake rikangodaukira pauri, wabata ropa. Zvakangofanana nekuuraya. Haubate mbira, nokuti mbira hadzidi zvinhu zvakaipa. Zvinoda zvinhu zvakanaka chete, zvinoda vanhu vakachena. Ndosaka dzaigara kubanya dzisingabude kunze.
Uye chatairambidzirwa kugara nadzo ndechokuti mumwe anogona kuuya – toti shamwari yangu anouya abva kuvasikana kana kuti arara nemusikana, ouya obata mbira. Akabata mbira idzodzi, akadziridza, dzinotyoka. Inini kana ndauya, ndisati ndaita chimwe chinhu ndotanga kunobata mbira dzangu – “Ndiani atyora mbira dzangu?”