Inini ndakasiyana navamwe vanhu. Vamwe vanonyora dzimbo pasi, vamwe vachirota zvavo. Asi zvakaita inini, handirote ini. Kana ndinenge ndichirota, ndinenge ndichitorota dzimbo dzandinenge ndichiridza nechekare. Asi dzangu inini dzinongouya pandinenge ndichishanda paye apa. Pandinenge ndichipfura makeys embira payapa ndiri ndega ndopanouya dzimbo dzangu ipapo.
Tuya tumasounds twakawanda-wanda tunopinda mumusoro. Zvinouya zvega ipapo, dzinombobvira dzichiririra mumusoro. Ndozopedzisira ndakuzoridza pamuridzo.
Ndakuridza muridzo uya, ndichiridza muridzo uya, kuti, “Ha, ko, ndikaisa pambira zvinoita sei?” Ndotora mbira, ndotanga kuchitsvaga manje kuti ndotanga neipi? Iyi, apapa. Ndikatanga neiyi, ndozopedzisira neipi? Ndotanga – nadzo, ndoita, ndoita, ndoita, ndosiya zvakadaro, ndakuita basa. Ndikaita mazuva matatu rumbo irworwo rwodzoka, ndobva ndaridza manje rine kushaura nekutsinhira zvese. Zvinenge zvakungopinda zvakadaro. Saka ndomawaniro andinoita dzimbo, kusara kweNyatwa. Nyatwa ndakaiwana pamatepe.
Sekuru Chigamba vanoridza Nyatwa padambarefu rinonzi Yangu Ndega
Dzimbo idzodzo, zvandaiita, ndaiiti ndikapinda mubira tinoridza ana Nhemamusasa, zvimwe zvese izvi. Kana ndaona kuti vanhu vaneta, vakuda kurara, toridza dzedu idzodzo. Kana tadziridza unoona munhu anga akarara so anongomuka achidai, “Ha, imi!” Otanga kutamba. Mumwe anotosvikirwa akakotsira, obva asvikirwa. Wotonzwa mudzimu kuti, “Ha, kambo ikako wakakawana kupi?” Kuti, “Ha, ndezvangu zvemusoro wangu izvi,” zvakunzi, “Aiwa, kanonakidza, ridza futi!” Woridza. “Ridza futi!” Woridza. Kunze kweBembero chete, ndiyo yandaiti pamwe inogona kusafarirwa, asi yakatofarirwa chaizvo. Saka dzimwe dzese, vakati dzese dzakanaka.
.