Mutota aive nevana. Vamwe vatatu vakenda kuMozambique, mumwe chete ndobva adzoka muno umu. Mumwe ndobva aenda kuMalawi, mumwe ndobva aenda kwaGoa, kuIndia. Iye zvino ndofunga kwave nemakore mazana mana kuenda kwavakaita. Saka ndiye munhu wokutanga kudzidza ChiPortuguese.
Iye mwana waMutota akadzidza ChiPortuguese akabva atakurwa, ndobva aenda kunogara kwaGoa. Saka Goa inyika iri kuno uku, India yakadai so, Goa iri panapa. Tikabva kwaGoa topinda muIndian Ocean, touya kuno uku. Ndofunga yaitongwa nemaPortuguese nokuti maPortuguese ndoakabva naye muno muMozambique, ndobva vaenda naye kwaGoa. Saka ndobva vagara ikoko.
Saka kuno uku kwakasara vana, ndovaigara umambo wacho vana vaMutota. Akazopedzisera noumambo ndiMapondera. Mapondera wacho ndiye akasara ari mambo, akarwa navarungu vachipinda muno umu. Akanetsa chaizvo Mapondera. Saka ndiye akazopedzisera umambo hwaMutota.