Saka ndorungano rwacho, ndokufamba kwehupenyu hwangu inini nemhuri yangu. Vana vaitambudzika tichiti pamwe vaidya sadza natwelve, voswera vachitamba, vorara, vozodya sadza mangwana natwelve. Pese ipapo hapana chavanowana. Hapana tea, hapana chii? Saka taive nehupenyu hwakaoma.
Saka ndinozvikudza kuti midzimu yangu handina kuisiya kuinamata. Ndakangogara ndichiinamata, nokuti kuridza kwandinoita mbira, kuridzira mudzimu. Midzimu iyoyo ndoinozotaura kuna Mwari kuti, “Mwari, mwana uya ari kutambudzika.” Ndozvatinoita muchivanhu. Kana uchida kunamata, tanga kunamata midzimu yako. Midzimu yako iyoyo ndoinotumira shoko kunani? KunaMwari.
Nokuti kana takatarisa mukugara, tinofanira kuendesa zvinhu nemuronga. Zvinhu zvese zvese zvine channel. Hakuna hurumende isina protocol, hurumende yese ine protocol. Saka kumunhu protocol iripo, unofanira kutevera midzimu yako.
Mwari imweya isangaoneke. Mudzimu imweya isingaoneke. Saka mweya wemudzimu uyu, watinoti mudzimu, ndoune nguva yaunoenda kunoita meeting naMwari. Pavanopa zvichemo vozodzoka nezvichemo vachidzorera patiri.
Saka isu tikananga kuna Mwari, kubva pano tichingonanga kuna Mwari, Mwari anotibvunza kuti “Mubvunzo uripo, asi hatikwanise kuunzwa.” Mubvunzo unobvunzwa, anzi, “Ko, vamwe vese ava vawasiya ava, uri kuti havakwanise kusvika kwandiri here?” Kureva midzimu, “Unoti havakwanise kusvika kwandiri here?”
Zvakangofanana neisusu nechivanhu chedu. Mwana wangu haanange kwandiri inini kana achikumbira chimwe chinhu. Anoenda kuna amai, amai vozouya kwandiri ini. Ini ndodzorera kuna amai, vonopa mwana. Ndozvatinoita.
Saka zvakangofanana nekuti, kana uri mudzimu, unoombera mudzimu wako. Kana baba vako ari mupenyu unoombera kunaasekuru. Kana baba vako vakafa unotanga kuna baba, otaura kuna asekuru, otaura panatateguru. Tateguru iye manje ndoanozosimudza, oendesa kumhondoro. Mhondoro dzosimudza dzoendesa kumakombwe, makombwe oendesa kuna Mwari.
Asi hazvitore mazuva. Ukazvitaura nhasi, zvinofamba nhasi, kusvika zvasvika nhasi ikoko. Mangwana zvodzoka futi. Pamwe zvinodzoka usiku, wotozongoona mangwana, “Ha, zvinhu zvese zvadii? Zvanaka.” Saka ishoko rinofamba zvakanaka, zvisina kana kudii? Ukangoteerera chete, protocol yako ukangoitevedza chete, ndizvozvo, zvese zvinofamba.
Saka ndomafambiro akaita hupenyu hwangu, kugara kwese kwandikaita muno muHarare nemhuri yangu iyi.