“Madzinza Ese Anondifarira,” Nziyo yakanyorwa naSekuru Tute Chigamba
MuChiShona, tinoti munhu munhu. Zvinongobva kusikwa. Nokuti kwaitwa isusu, takasikwa tiri vanhu. Takazosiyana pfungwa, nemagariro. Asi tiri vanhu, takasikwa tiri vanhu, vanhu vemunhu mumwechete. Saka munhu munhu. Akasikwa ari munhu.