Kunzvimbo kwatiri isusu kwaRushinga, kune mbada – imbada, ishumba. Yakati kuno uku imbada, ndobva yaita mugano panapa, kuno uku ishumba. Saka iyoyo mukanzwa ikachema kunofa munhu. Kana kwakanganiswa inochema futi. Unoinzwa usiku, ichichema usiku kuti, “ooh, ooh, ooh, hah!” Saka unoziva kuti “Ha! Hameno zvaitika.”
Pane nhoroondo yakaitika ipapo. Nhoroondo yakaitika ndeyekuti vagari vemo, maigara Madyerapanze neManetsera. Saka vaive mukwasha natezvara. Saka vaita zvinhu zvavaita, mashiripiti avaita. Saka vaiti kana vachirwiswa navamwe vanhu, uyu anoita zvaanoita. Haaoneke. Vanhu vanoti, “Ha, hapana munhu.”
Saka uyu tezvara manje aive nemushonga, ndowaaishandisa. Rinonzi gona. Saka gona iri, mukwasha uyu ndiye akazohurura. Akahurura gona riya riya kuti, “Tezvara wangu anoshandisa gona achiita zvakati zvakati zvakati” kuvanhu.
Saka tezvara ndobva avingwa nehondo, ndobva ashandisa gona riya riya, ndobva ratadza kuita. Ndobva apinda muninga nevanhu vake. Apinda munhinga muya, ndobva vangopindawo vakadaro, vakabva vangorovha vakadaro, havana kuzobuda futi.
Saka akazobuda manje uyu tezvara, zvikanzi “Iwe mukwasha! Ukafa uchaita mhuka yakati uku mbada, uku shumba.” Mukwasha ndobva atii? “Iwewe! Ukafa uchasanduka kuita hava.”
Saka kunzvimbo kwacho ikoko kunoti mukanzwa hava ichichema munoziva kuti, “Hameno zvaitika ikoko.” Kuno uku mukanzwa shumba ichichemawo futi munoziva kuti, “Hameno zvaitika.” Saka ndomaitikiro aita kare.