Muchivanhu, dzimbo dzatinenge tichiimba dziya dziya, vamwe vanenge vachiridza makwa. Ehe, pane makwa atinoridza. PachiKorekore, tinoti kwenje, kuridza kwenje. Zvikeyi zvemombe zviya zviya zvatinotora, toridza kwenje. Ehe. Ndomakwa iwaya. KuChiZezuru vanoti makwa, kuChiKorekore tinoti kwenje.
Makwa anopinda pane imwe mimhanzi yemuno umu, muZimbabwe muno umu. Tikaridza chidzimba, makwa anopinda. “Baya Wabaya,” inogona kupinda makwa, nokuti “Baya Wabaya” ingondo. Kuti vaye vanoti “Ngondo,” ndozita racho manje. Vanoti “Ngondo.” Saka kuti “Baya Wabaya,” kuimba manji, asi ingondo. Ngondo, kureva kuti hondo.
Mamwe, makwa anopinda, asi imwe mhimanzi haipinde makwa. Inongove yekungoridza chete. Chipendani hachipinde makwa. Chipendani hachipinde makwa, mukube haupinde makwa futi. Ngoma, dzinopinda makwa, asi pane dzimbo dzisingapinde makwa futi pangoma. Tozoridza dzimwe dzakanangana nedinhe – nokuti makwa, kuti muzokurumidza zvakafanana nengoma, hazviite. Ehe, maoko anorwadza. Asi kana dziri pakati, muchiridza pakati nepakati, pokuti hadzisi kukurumidza, hadzisi kunonoka maningi, munogona kuridza makwa. Ehe, kubatsira vanotamba, nokuti anotamba ayaya, anogona kupinda murhythm yemakwa, kupinda murhythm yengoma.
Kazhinji makwa ane kamwe kaelement kanoencouraga vanhu kuti vadii? Kana ave kupinda muye muye kuti atambeka, anotamba ane chii? Ane simba. Zvokutoti anenge akaita kunge munhu akadii? Akapoterwa. Nokuti zvinenge zvichibva mumakwa umo muya muya. Kana kubatsira ngoma, makwa anobatsira ngoma, kuitira kuti aya atinoti percussion ayaya awande mungoma umomo. Saka zvinoita kuti munhu akanzwa makwa aya, vanhu vanonyatsoita serious chaizvoka. Kuridza makwaka, unozongoona munhu achisvetuka, achipinda umo achitamba. Kana munhu anga asingatambe, unoona achitamba. Saka zvine kainfluence kanopinda maauri, kwostrika kwauri iwe kuti utambe manje. Saka ndozvinomirira makwa izvo zviya izvi, kana kuti kwenje.