Sekuru Gora ndovakazovamba mavembe, kana kuti gandanga. Vanonzi Thomas Wadharwa. Ndakatanga kusangana naye muna’70, ndivo vakazoita gandanga.
Ivo ndichivabvunza vanoti vakaiwanira panhamo. Vanhu vaichema, vakati “Ah, vanhu vari kuchema zvinonzwisa urombo chaizvo.” Saka kuchema kwavaita kuye, ndobva vati, “Ha, regai nditune mbira dzangu dziye ndiise munzwo unowirirana nei? Nekuchema kwavari kuita.” Saka ndobva vaita izvozvo. Ndobva vatanga kuridza, vanhu ndobva vazochema zvakapfuuridza. Zvikanzi, “Handichairega iyoyo tune, ndoisiya yakadaro.” Mbira yavo iyoyo yakabiwa, yanga yakanaka mbira iyoyo. Yakabiwa nedeze rese, zvese zvakaenda, vakazogadzira imwe.
Idzidzi ndakazodziwanawo kunaVaGora, iyi tune yemavembe, nokuti ndawana vaine dzavo. Saka ini ndazovaonawo ndati “Mbira dzenyu dzinonakidza. Ndipei ndiridze.” Ndobva ndaridza. Zvino dzakanga dzawedzerwa kuwedzera mimwe minzwa. Saka ndakaita zuva rimwe chete, ndobva ndakuridza dzese.
Zvikanzi naVaGora, “Ha! VaChigamba! Muri kuridza mbira idzi?” Ndikati “Ehe, zviri kunakidza chaizvo.” Zvikanzi naVaGora, “Ndimi mumwe chete wabata mbira dzangu achiridza, achidzigona. Vazhinji vese vanotadza kudziridza, vonzi hadzina tune.” Ndikati, “Ha, mbira inonakidza, unongoitorera nezvairi izvozvo. Ukaitorerawo zvairi izvozvo, unoiridza uchinzwa ichikunakidza nokuti uri kuitora zvairi.” Zvikanzi, “Ha, zvechokwadi, ha, imimi mandityisa.”
Tobva tadii? Ndikati, “Tune iyoyo ndiri kuida.” Zvikanzi, “Ha, horaiti, chiendai munogadzira yenyu mbira.” Ndobva ndagadzirawo dzangu ini. Ndobva ndagadzira iyi, ndobva ndaisa tune yaVaGora iyoyo. Saka ndobva takuridza tese. Tairidzira kuHighfield, kuGlen Nora. Ndobva vazobva, ndobva tazonoridza tiri kuChitungwiza. Ndokwatikaridza makore ese aya tiri tese. Tairidza nymaropa, saka takazoridza idzodzo gandanga manje, tava pamwechete, tikaridza nyamaropa toridza gandanga. Ha, takairidza. Takaridza.
Chipembere, yakaridza naTute Chigamba, Sekuru Gora, naVaMoyo padambarefu rinonzi Vakuru Chaivo
Ndobva tazoenda kuDance Company pamwechete naGora naIrene, ndobva taita eleven months tiri tose. Ndobva vazongokamura vamwe vanhu kuti hwando hwanga hwahwandisa. Ndobva ndazobva uko, VaGora vakasara vari instructor vembira. Saka vakagara, vakasevenza kumagore anokwana gumi vese naIrene, ndobva vakazoregera.
Ndobva tabatana futi naGora, ndobva taridza futi pamwechete muna’80, tichipinda muZimbabwe. Takaita film, VaGora naMujuru, neini naIrene, naLeah, naFungai Mujuru. Takaita film yaida kunzi iitwe yekuratidza vana muzvikoro. Saka film iyoyo yakabiwa, hatina kutomboiona. Yakabiwa. Vanoti yanga yakanaka chaizvo, asi isu takamboona zvishoma-shoma mustudio. Zvikanzi tichazokudaidza, mouya kuzoona. Haina kuzowanikwa, saka film iyi hatina kuzoiona.
Saka ndomafambiro atikaita naGora, kusvikira tazoita CD naGora. Ndoyakava yekupedzisera, havana kutomboinzwa. Havana kuinzwa. Saka vaGora vachipararawo, vakatanga ndiMujuru vachifa, vozobva Gora ndobva vafawo. Saka ndingangoti pavanhu vechikuru vasara vakanga vachizivikanwa munomu, ndini ndasara.