Mukoma waVaSekuru ndovaive dangwe, ainzi Nevanje. Ehe, ndovakatanga kuberekwa mumba mavanasekuru. Saka ndopaipotera mweya uyauya, vainzi Dumbu. Ndobva vazouya manje kumuzukuru, mwana wemuzukuru. Mwana wemuzukuru ndiye akanga akudii? Akutsvagwa nemhepo iyoyo. Saka zvakazodii? Zvazoperawo zvakadaro.
Ndakambotenga jira jena rakareba kubva pano kusvika, ndofunga ranga riri eight meters. Ndobva ndatenga, ndokuriendesa ikoko. Saka kubva ipapo, ndingati inini mavambiro azvikaita chaiwo chaiwo, ndakarota ndichienda kwavakavigwa ndichiti, “Ndoda kunoona guva ravo.” Guru raivo, tateguru ivavo. Ehe, ndikati, “Ndoda kunoona guva ravo.”
Saka ndairota ndichifamba, ndobva ndasvikowana paine vamwe vanhu vaive pamhiri perukova. Vakati, “Uya kuno uku, pane zvatiri kutsvaga panapa. Tibatsirewo.” Ndikati, “Ndiri kuda kuenda ikoko, kugomo uku.” Zvikanzi, “Aiwa, tati chimbouya utibatsire panapa,” ndokutsvaga zvavaitsvaga, hatina kuzviwana. Handina kuzokwanisa kuenda kuya kuya, ndobva ndadzoka.
Saka ndiri kufunga kuti ndopakauya shave racho manje, richizouya kwandiri ini, ndava kudii? Ndakuzoita zvekuridza mbira izvi. Ndomauyiro akaita shave rekuridza mbira, kuhope idzodzo, ehe. Nokuti zvakandinetsa kuti, kuti ndiende kunoona guva ravo, ndairida rei? Saka, kureva kuti ndokwaibva izvozvo. Pamwe dai ndakaenda, pamwe ndaizoudzwa zvimwe zvinhu zvakawanda-wanda pakuriona ipapo, asi hazvina kuzoita.
Zvakaitika futi saizvozvo. Ndabva kudaro ndikaridza mbira, ndikaridza mbira, ndikaridza mbira, ndikazorota futi zvichinzi, “Unoda kuona chii? Handei, tonoona guva raJesu.” Ndikati, “Guva raJesu?” Munhu iyeyu akanditi, “Ndakasvikako, ndakariona.” Ndikati, “Handei,” ndobva taenda.
Takadzokera padoor rekutanga, ndobva ati, “Ini handichakwanisa kupinda apa.” Nokuti ainzi akaiswa mumba. Haana kuisirwa guva panze, akaiswa mumba. Saka munosvika, munovhura door rekutanga. Rechipiri, ndobva adii? Ndobva aramba kuvhura door riya. Ndobva tadzokera ipapo, hatina kuzopinda futi mukati imomo.
Ha! Ndadaro izvo, mbira dzangu ndairidza. Ndobva ndazorota futi pane hondo yemaEgypt nemaIsrael, vairwisana. Saka kurwisana kwavaiita kuya kuya, ini ndakarota ndiriko ikoko, ndiri mukati muhondo iyoyo, ndine imbwa yangu nhema.
Ndikati, “Ndasungwa.” Ndobva ndasungwa, zvikanzi, “Unogara kuno uku makumi matatu emakore, iwe uri mujail.” Ndikati “Makore makumi matatu ndiri mujail? Ndinobuda ndachemberaka ini.” Ndopandikamuka. Ndamuka usiku iwoyo, ndakabuda panze ndikati, “Ndiri kuno here kuHighfields kuno? Ndiri mumbaka ini. Ndanga ndakarara here? Ko, sei?” Ndobva ndamuka, ndikati, “Ha, zvechokwadi, ehe, ndandakarara,” ndobva ndarara.
Saka izvozvo zvakazoita manje kuti handina kumbobvira ndakabuda, pakuridza kwandikaita mbira handina kumbobvira ndakabuda muno muZimbabwe ndichienda kumwe nembira idzodzo. Ndakazobuda kuma’90s ndava ndethirty years ndichiridza mbira. Ndopandikabuda manje, ndopandikasvikako kuAmerica payapa. Ndikati, “Ha, ndakazozviona ndaikoko futi, kuti hope dziya dziya, onzi makore makumi matatu ndiri mujail. Kubva pandikatanga kuridza mbira kuma’60s, iye zvino kuma’90s, kwava nethirty years ini ndichiridza mbira. Saka, ndomujail macho mandika ndiri.”