Saka varungu ndobva vauya, ndobva vatipa mugano. PaBora ndopaive mugano weMozambique. Uchinosvika kuBindura, uchibva wapfurira kuenda pasi kuZambezi, kuenda kuMozambique.
Zvino changa chakaita maPortuguese, vanga vakapusa. Vairovera hoko yechimuti. MaBritish vairovera hoko yesimbi. Vaisa concrete, voisa simbi, vomaka. Saka maPortuguese vanga vasingamake, vaingotema muti vorovera, zvanzi, “Ndomugano wedu.”
Saka maBritish vakanga vakangwara, ndobva vasandidzira mugano, ndobva vaisa kwaMutoko, nekwaMutare. Vaiti pavaifamba vachisiyawo mugano, ivo vaida kuti vakabva kuno, votora kubva kuChiredza, vobva vapinda muTete, kusvika vasvika muBeira. Ivo vaida kunosvika kuBeira nokuti vaida kushandisa Beira seharbor yavo.
Saka vakurumidza kudzoka nokuti maPortuguese vaiuya vachidii? Vachitenga nyanga dzenzou, nealluvial gold vaitenga futi. Saka vadarozve ndobva vaisa mugano, ndobva vanosvika neukoku kwaMutare.
MaPortuguese ndobva vauya, zvikanzi, “Mugano wedu uri kuno uku.” Zvikanzi, “Hakuna mugano wenyu.” Ndobva vauya ndobva vavaratidza, zvikanzi, “Mugano wenyu ndoupi?”
Saka ndobva vadii? Ndobva maPortuguese akati “Aiwa, mati imimi ndomugano wenyu. Tochigumira pano. Kwete kuzoona hoko yenyu iri kupi? Iri kuBeira. Hatichada kuzviona.”
Saka maBritish akazodii? Akazotora hoko iyoyo, ndobva vadaro so. Mozambique inosvika apa, inobva paGuruve apa ichidai so. Inobata neZambia, ichibva kuZambia ichibata neMalawi. Inobata neTanzania, neSouth Africa. Ndonyika yakakura chaizvo muno umu.