Saka vanhu vakazongoparara vachibva muMasvingo muya muya, ndobva vanozovaka mamwe masvingo futi kuGweru anonzi Chitakochemhuka. Saka ndomaigara mambo ainzi Mutota.
Saka aigara ipapo vanatezvara vake ndobva vaenda kuGuruve. Saka kuGuruve vanatezvera vacho ndisu veSoko, ndisu vanatezvara vaMutota. Saka ukuku mambo aisiya vana vachigara ukuku, iye achigara navanatezvara kuGuruve.
Saka agara ndopaakadii? Ndopaakakumbira nzvimbo. Akumbira nzvimbo zvikanzi, “Vatezvara, ndoda kugarawo kuno uku. Ndikati ndikabva kuno uku ndoenda kunoona vana, ndodzoka ndouya kuno uku ndichizogara kuno uku. Saka zvandakuita ndezvekuti ndakuda kuzogara kuno uku.”
Zvikanzi, “Ha, zvakanaka mukwasha. Ukuku kwandiri kukupa uku kugomba. Saka ndakupa kuti ugare kugomba uku.”
Vagara ikoko hauchanzi Moyo, mutupo wavo wakunzi Soko Chidziwo. Soko Chidziwo, Chidziwo kureva kuti anochengeta mugano. Saka ndiye aichengeta mugano.
Saka akapiwa gomba rese kubva kunaManyame kunosvika kunaMusengezi, kuzouya kuno kunaKazi. Saka nzvimbo yese iyoyo inonzi Dandemutande. Dandemutande rese nderemukwasha. Saka agara ikoko ndobva abvuma kuti, “Ndoda kugara,” ndobva agara ikoko.
Saka agara ikoko ndokuuya mwana wake Kasekete. Aitsvaga chii? Anga aina vatete hanzvadzi yaivavo, yamukwasha. Ndoyaidii? Yaida kunoona hanzvadzikomana. Saka hanzvadzisikana ndokutora muzukuru, mwana uyu wehanzvandzi. Zvikanzi, “Hande, unondiratidza kwaari.” Ndobva vafamba vachitevera, ndobva vakasvika kuMuzarabani. KuMuzarabani kugomba futi.
Saka vasvika kuMuzarabani ndobva vakambogara, vatete vari kurwara, vava kurwara vatete. Saka ndobva vagara, ndobva vapiwa nzvimbo iyoyo nevaiera nzou, vanhu vanoera nzou.
Ndobva vapiwa nzvimbo zvikanzi, ‘Iwewe, wakuzogara panapa. Saka kana wogara pano unofanira kudaidzwa nemutupo wedu. Wava kunzi Nzou Samanyanga.” Saka Kasekete uyu akanzi Nzou Samanyanga. Zvikanzi, “Hauchaera Moyo, wava kunzi Nzou Samanyanga.”
Saka iye ndobva ati, “Zvakanaka, regai ndigare.” Ndobva agara, ndobva aona kuti, “Ha! Nzvimbo yakanaka.” Ndobva agara, ndobva abvuma mutupo uwoyo, uyo mutupo wokuti Nzou Samanyanga.
Vatete ava vairwara, saka vatete havana kuzokwanisa kuenda kunoona hanzvadzi. Vakafira kuMuzarabani vachichengetwa namuzukuru, naKasekete.
Saka uyu manje anonzi Nzou Samanyanga, baba vanonzi Soko Chidziwo. Mitupo yaita miviri. Yaita miviri mitupo, asi vanhu vamwe chete. Uyu Nzou, uyu Soko. Asi pakupedzisera kwavo ndopaunozonzwa kuti, “Vanhu ava, mutupo wavo chaiwo chaiwo iMoyo.”
Ava vanonzi Soko Chidziwo Gatsi. Gatsi ndeveMoyo. Uyu anonzi Nzou, anenge achiri Chirandu. Chirandu, Moyo. Anzi Nzou Samanyanga Chirandu, kureva Moyo.