Gwenyambira anobata zvese, midzimu, hunhu, netsika. Zvese anobata. Zviri mumaoko magwenyambira. Nokuti munomu, chiridzwa chedu ndechevadzimu. Chakafanana nembira nengoma, ndezvevadzimu. Kana takuridza, tinenge takatarisa kuti timbochema zvichemo zvedu kuvadzimu. Tinoridza. Zvakafanana nekunamata zviya.
Kana imwe nguva, unogona kutora mbira dzako munomu, uchifunga zvaunenge uchifunga, woridza mbira idzodzi. Mweya inouya padhuze, inouya pedyo newe. Zvaunenge uchida zvacho, zvinogona kuitika. Ehe, zvinoitika. Unoridza kumaawa anokwana kana maviri, uchiridza. Mumwoyo mako umu, unengene uchitaura zvaunenge uchitaura, mweya inouya uchinzwa mumhanzi uyauya. Yanzwa mumhanzi, inouya ichitarisa kuti chii chiripo? Yoona kuti a-ah, une dambudziko rakati rakati rauri kutsvaga rubatsiro. Saka vanogona kukupa.
Gwenyambiraka munhu akapfuma chaizvo. Asi gwenyambira murombo wekupedzisira. Irombeka, nokuti anenge achinzi haana mari. Asi inini kana wava kuda kuti ndiende kumba kwako, unotondibhadharira mari yebhazi, ndorara ndichiridza, unondipa rukukwe, ndogara parukukwe. Handigare pano nepano, ndinogara parukukwe. Kana mudzimu wenyu ukauya musina rukukwe, mune rukukwe rumwe chete, mudzimu uyu unotogara pasi, pasina rukukwe. Gwenyambira anogara parukukwe. Ehe, ndimambo. Mamutora kumba kwake, kuuya kuzomugadzika parukukwe. Saka ndimambo! Ehe, anokutongai.
Rombe, hunzi murombo. Rombe murombo. Munhu asingapfume. Hanzi haapfume. Murombo. Anoita akaendako oridza mbira, opiwa hupfu. Akaendako oridza mbira, opiwa hupfu. Asi munda wake anorima. Anozoita murombo pakuita sei? Anofamba uko, achiridza mbira. Akasvika uko, toti waenda musi weMugovera, waenda kunoridza mbira, worara uchiridza. Musi weSvondo wodzoka. Unouya wakabata jongwe rehuku. Jongwe rehuku. Uyu ari kuti ndiri rombeka, haana jongwe raari kudya kumba kwake, ini ndiri kudya huku. Svondo rega rega ndinodya huku. Ko, urombe hwacho huri papi? Saka zvichinzi gwenyambira munhu akapfuma chaizvo. Ehe, gwenyambira murombo wekupedzisira. Akafanana nenyama yerurimi; ari pakati nepakati.