Gwariva iri rakagadzirwa naSekuru Chigamba muna 1979. Ndiroro gwariva ravakagara naro nguva yakareba pambira dzese dzavakagadzira, sezvavanotaura munhoroondo ravo rekugadzira mbira. Mufananidzo uyu we3-D wakagadzirwa navashandi vekuUniversity of Rochester Digital Scholarship Lab. Pari zvino vachiri kuronga nzira yekuti tikwanise kunyora pamufananidzo uyu, kuti uve nemazwi akataurwa naSekuru Chigamba vachitsanangura nhengo dzese dziri pambira, rakaita fanike gwariva, bakatwa, minzwa, nekurongeka kweminzwa pamativi maviri egwariva. Takatarisira kuti mazwi aya achaisirwa pamufananidzo iri kutanga kwegore re2020.