Kambuya-mbuya, taiita tichifudza mombe. Tinotora nhingi, kagaba, kana kejam so, tokacherera pasi. Tikaisa pasi, totora kamuti, kanenge kakatepuka so, tokabayirira kuno uku. Toisa, eh, string kana kuti tambo. Taisa tambo, tambo iya tinoisa pasi, tinoisunga, tobora buri rekagaba riya riya, tosunga tambo iyeyi iri pasi, kuti isadii? Isabve.
Saka, tadaro manje, eh, patinenge tichiridza, ndinenge ndichiridza ndichidai so, ndichidzvinya so, kachiita masounds. Ehe. Ndikadai so, kanoita bass. Ndikadai so, kanoita chii? Kanoita tenor kana kuti soprano pamusoro. Ndoenda ndichidaro, nidni ndinenge ndichitotsvaga kuti, kari kurira sei? Kana ndadai so, kari kuteerera zvandiri kuita here voice rangu?
Ndozvakanoita ikako. Ehe. Saka, isusu, takaita tichifudza mombe. Yeah. Nokuti, kana uchifamba musango, ukanzwa, “Uko kari kurira,” kune vana vari kufudza mombe. Kanga kasiri kukuti, kanongoridzwa chero pese pese, aiwa.
Kuridza uko kwataiita, zvaiita kuti, ukazonyanya futi, mombe dzinorasika. Ehe. Nokuti unenge wava kunakidzwa, mombe dzichienda. Saka, taingoti ukakaridza-ridza, wodzora mombe dziya, dzouya padhuzi, wokaridza futi. Ukaona kuti, ah, mombe panapa hadzisisina uswa wakakwana, unokabvisa, uenda nako. Wosvika paunoona kuti pane uswa wakakwana, wochera futi gomba ipapo, ukadzimikira paye paye, wotanga kuchii? Kuridza.
Taiiti kambuya-mbuya. Zvinonyadzisa!
Panyo pambuya-mbuya
Panobva mukonde mukuru
Panyo pambuya-mbuya
Panobva mukonde mukuru
Ndozvataita isusu. Kureva kuti, Ambuya kana vaenda kusango zviya zviya, vanoda kuita tsvina, panonzi, panoburitsa tsvina yakakura kupfuura vana vaduku!! Ehe, saka taikaridzira musango, ndokuti taitaura izvozvo! Zvakaoma! Saka kainzi kambuya-mbuya, taiiti kambuya-mbuya. Saka taikaridzira musango, taisingakaridzire pamba. Ambuya vaitirova.
Saka hataibvumirwa kukaridza pamba. Anzi, “Enda unoridzira musango umomo.” Ehe, saka, zvainyadzisira manje kana takuzoimba. Asi unogona kuimba kana dzimwe dzimbo. Ehe. Zvino ivo vakanaga vachitizivira kuti tisauya nako kumba. Nokuti vanoziva kuti tozopedzisira taimba izvozvo, zvatiri kuimba, zvimwe zvatingagone kuimba, asi tinozopedzisira taimba chete, nokuti kambuya-mbuya. Saka ndozvataita tichiridza, tiri vana vaduku.