Saka mitupo manje, pakazoonekwa kuti vana vari kuwanda. Zvino zvavari kuwanda, vangangogara vari hama nehama here? Ndobva kwaitwa mitupo.
Saka mitupo iyoyo, vamwe vakatora mutupo wemazita avo, sezvakaita Mushavatu neMusiyamwa. Kwozoita Nyati. Nyati iShonga, asi Nyati akanga ari munhu. Ranga riri zita remunhu ainzi Nyati. Saka ndobva adii? Ndobva angoita mutupo weNyati iyeye.
Saka vamwe vakasara nemutupo wekuti Soko. Havana kubva pana Soko uyauya, baba vacho. Vakaramba vari Soko, Soko, Soko.
Saka vamwe ndobva vanzi Moyo. Kana tiri paChiShona, kana tichiti amoyo, mwana wepamoyo mwanasikana. Ehe, mwanasikana ndiye anonzi amoyo, mwana wepamoyo. Nokuti ukabereka mwana musikana wabereka mwana mukomana. Ndosaka vachiti, “Mwana wangu wepamoyo, ndawana mukwasha. Achauya.”
Saka pane tsumo inoti, “Akarima mazvuru mana hapana chaakawana.” Akabereka vana vasikana hapana chaakawana, nokuti vanenge vacharoorwa vese. Uchasara usina mwana pamba.
Asi tochidzoka futi, ukabereka vana vasikana warima nyemba. Kurima nyemba, kureva kuti pfuma ichauya kwauri. Ehe, pfuma inouya kwauri. Saka vemoyo, vana vakaberekwa ndeamoyo, mwana wepamwoyo pangu. Ndiye aberekwa mwana uyu, saka amoyo.
Saka mitupo yacho yaingoramba ichingodii? Ichingofamba. Saka vanhu vakazonzi, “Sarudzai mhuka dzekuera,” ndokuti vatora mutupo munozosarudza mhuka yamunoera, yamusingadye. Saka veMoyo,chero mhuka ipi neipi zvayo, havadye moyo wacho. Havadye moyo.
Isu takasara netsoko, tsoko haidyiwewo. Ehe, tsoko haidyiwe. Takaita mhanza yakanaka!
Saka veShava vanoera mhofu. Kwozouyawo Nyati, vanoera nyati. Havadye nyati. Inyama, unogona kudya usingazivi. Asi ukaiziva, haufanirwe kuidya nyama yacho.
Kwozoita vanoera shumba, shumba haidyiwe. Kwozoita vamwe vanoera mbizi, ndevekwaMutasa, veTembo. Havadye mbizi. Asi kune imwe Tembo futi inonzi Tembo Karimudeve, havadye mbudzi. Ehe, vanonzi Tembo Karimudeve.
Vamwe vanoera mbada, ndeveTangwena, veNhewa. Nhewa imbada. Saka ukaenda kuInyanga, kuGairezi, ndokwaunona vazhinji veNhewa vari ikoko. Nevamwe vanaSaunyama, vanaSaunyama vanoera mheta, shato. Saka ndoyavanoera vanaSaunyama.
Vamwe ndevekwaMusoni. Pane kambeva kadukuduku so, kane mitsara mitema mitatu pamusana. Ndiyo yavasingadye iyoyo, havadye mbeva iyoyo. Ndiyo yavanoerawo futi. Ndivo vanaMusoni vacho, kana kuti Mhizha, kana kuti Chivambu, zvimwe chete. Kana kuti Dimo, zvimwe chete, zvinenge zvichireva mbeva iyoyo. Vanoera mbeva iyoyo.
Saka vakawanda, mitupo yakawanda chaizvo muno umu. Yakawanda. Saka ndomamiriro akaita zvinhu zvemuZimbabwe.