Saka vadzokera muno, paDzivarasekwa. Dzivarasekwa vakariti Dzivarasekwa nokuti ndopakatanga kupiranwa mazita kuti, “Iwe unonzi nhingi. Iwe unonzi nhingi, iwe unonzi nhingi.”
Nokuti kuuya kwavakaita, havaidaidzane nemazita, vaimboti “Iwe Iwe!” Zita ravo rimwe chete chete ravakanga vainaro nderekuti Soko kana kuti Pfumojena kana kuti Murenga, ndomazita aiwaya chete. Saka vakazotanga kupanana mazita kusvikira mazita aya adii? Apararira nyika yese.
Saka mazita ayaya vakazopedzisira vakudii? Vakungoti “Aita chaaita, unonzi nhingi. Aita chaaita, unonzi nhingi,” kusvikira mazita angopararira.
Paive nemuti waive nenyuchi. Saka isu kana tichitaura tinoti mudzinga wenyuchi. Saka muti uyu wakanga uri mukuru. Vakaedza kumora, vachimora, vachimora uchi uyauya, vachidya.
Saka umwe ndobva waenda kure kure maningi, zvikanzi, “Ha, dai tatora mungoo, tikadii? Tikangova uchi uyu.” Mumwe ndobva aseka, zvikanzi “Ndiwe Chingoo.” Mumwewo ndobva ati “Ha, inga moto watota.” Zvikanzi “Ndiwe Mutota.” Uyauya akati “Ha! Inini, ha, ndadya uchi.” Zvikanzi “Watipedzera uchi, ndiwe Murozvi.”
Saka vaizoenda vachiti ataura zvake opiwa zita, ataura zvake opiwa zita. Kana anenge abereka mwana, mwana uyu anofanira kupiwa zita. Saka ndomafambiro akaita mazita.