Saka vapinda muno umu, vakagara. Ndobva vasangana nevakauya neukuku. Saka vakauya neukuku ndobva vati, “Vakauya nekumvura apa Mahungwe.” Mahungwe kureva kuti hungwe. Mahungwe.
Saka zita iroro rakazosarira futi kuManyikaland. Tingati kubva kwaRusape zvichikwidza kunosvika kuInyanga, vanonzi Mahungwe. Saka vese ava vanonzi Mahungwe ava. Vakati ivavo vaitevedza mvura sehungwe, saka Mahungwe. Mahungwe.
Saka kuno uku, vakauya neukuku vaituma vanhu vechikadzi kuti, “Endai munotibvunzirawo vanhu avo kuti vakamira sei.” Vachida zvavanenge vachida, vaituma vakadzi.
Saka ivavo vakauya nepakati ndovaita sovakuru. Saka vaiti, vachibvunza kuti vachituma vakadzi, zvikanzi, “Sei imimi vakadzi muchitumwa? Varume venyu vari kupi?” Zvikanzi “Varume vasara. Saka vatituma isusu kuti tiuye kunobvunza.” Ndobva zvanzi Matonga. Vanotongwa nevakadzi. Vakauya neukuku vanonzi Matonga, vanotongwa nevakadzi.
Saka vagara muno umu, ndobva vazovaka masvingo aya. Vakavaka Masvingo vachiti ndoguta redu guru ratinozogara. Mambo anofanira kugara imomo achitonga mhosva dzake. Nemidzimu yedu, tinofanira kudii? Ndomatinenge tichinamatira midzimu yedu.
Saka ipapo pane shiri yahungwe, ndopayaigara ipapo. Kana paine zvimwe zvinhu zvinoitika zvakaipa, inorara ichichema usiku wese. Ikarara ichichema, ine zvairi kutaura. Saka vaiti injerere, inotaura zvichaitika.