Tese, hakusi kureva kuti muAfrica chete, kana kunyika dzese dzekunze uku, kune vanhu vanopiwa mutemo, asi havadi kuteerera mutemo.
Sezvakaita Jesu. Akauya asi akaurayiwa nevanhu. Aidii? Aibatsira vanhu. Havana kuziva kuti munhu uyu tikamurega anotibatsira, asi vakada kumuuraya, ndobva vamuuraya.
Ndozvakafanana naChaminuka. Chaminuka aitungamirira vanhu, “Itai zvakati, itai zvakati,” asi vakamuuraya. Asi aitungamirira vanhu, aibatsira vanhu.
Saka izwi iroro raitaura kuMatonjeni, vanoti kuMabwe aDziva, kudirei kuBulawayo. Izwi iroro, mukasvika pabako ipapo munogara mese, hakuna mitupo yakawanda. Kune mutupo mumwe chete, Soko. Kune Soko. Soko, ehe. Kana mapinda mubako ipapo, mese makuera Soko. Saka kureva kuti izwi racho iroro rakazenge riri pai? PaMabwe aDziva. Saka vanhu vakakanganisa futi ipapo, izwi iroro hapasisina, harichataura.
Riya, kana waona zvakunetsa kuti, “Ha, ndiri kunetseka,” unongokwira bhasi woenda ikoko. Wosvikawo, unoona pakangozara vanhu. Wogarawo. “Iwe uri mwana wanhingi, wauya zvakati zvakati zvakati. Chiri kukunetsa ndezvakati, enda unoita zvakati.” Ndizvozvo. Wodzoka, woita izvozvo zvawaudzwa. Saka ndiri kunzwa kuti mazuva ano izwi racho harichataura. Vakakanganisa.
Kana kuMasvingo kune imwe nzvimbo yakanga isingasvikwe nemunhu wese wese. YemuMasvingo imomo muya, muMasvingo mukati muya muya, mune nzvimbo yakanga isingasvikwe, nokuti paive nechikonzero zvaiita kuti ndomaigara, tingati izwi raMwari, ndomaraifanira kugara ririmo.
Iye zvino vakafumura nzvimbo yacho, yakusvikwa. Munhu wese wese anongopinda, saka vanhu vakazofumura. Kunyanya varungu ndovakaita kuti nzvimbo iyo ifumuke nokuti vakaita nhingi, nzvimbo yetourist attraction. Havana kuziva kuti vanhu vaigaramo vakagara vaine mutemo upi?
Saka gomo iroro ririko kuMasvingo racho rinonzi raita kana mvura yakunonaya rinotsva rega, hapana anoziva kuti rinopiswa nani? Vainzwa vanhu vachitaura mugomo imomo. Maigona kudaidzana imimi muri kure. Asi maigona kunzwanana navanhu vacho, vachitaura vari mugomo. Saka iye zvino hakusisina, zvese zvakapera.
Saka ndomamiriro akaita Zimbabwe, nekuuya kwatikaita isusu.