Sokunzwa kwandikaita zvinonzi Murenga akabva nekumusoro. Ndofunga akabva nekuna Iraqi kana kuti Irani. Saka abva neikoko akauya nemhuri yake, nevana vake. Saka uko kwaakabva aive zita rekuti Soko, ainzi Soko.
Saka vabva ikoko ndopavakazouya vosvika muEgypt. Pavakapinda muEgypt, maEgypt akaedza kumurwisa. Semunhu akanga ane simba aidzivirira mhuri yake. Aifunga kuti vana vake vachaurayiwa.
Saka ndopaakadii? Ndopaakasvetuka. Pane muEgypita akanga aine pfumo rejena ari pangamera. Sake Murenga akasvetuka, ndobva amubvutira pfumo iroro, ndobva atanga kurwisa maEgypt iwaya.
Saka maEgypt anobva vadii? Ndobva vatiza vese vakatii, “Ha! Munhu uyu ndiMwari chaiye!” Saka ikoko vanoti Mulenga, kureva kuti ndiMwari. Saka vakati, “Munhu uyu ndiMwari, ane simba rakakura maningi.” Saka zita iroro rakabva kumaEgypt. Vana vake vakazomupa zita rekuti Pfumojena. Vaiti Pfumojena.
Saka vakamupa zita rekuti Pfumojena ndobva akadii? Ndobva abva uko. Paakabva uko ava kuchiuya kuno uku achidzika. Saka vabva ikoko. Asi haana kuzosvika kuTanganyika, kuGuniuswa. Akafira munzira asati adii? Asati asvika. Vana vaMurenga ndovakazosvika muGuniuswa.