KwaNyandoro ini handina kukuenda. Vanhu vaienda kwaNyandoro vakanoridza ikoko. Akataura kuti, “Ndakenda kunoridza kwaNyandoro,” vonzi, “Anogona chaizvo,” nokuti kwaNyandoro kwaienda vanhu vairidza mbira chaizvo. Asi hamaibvumirwa kuridza nguva yacho inoridzwa nevakuru vacho. Nokuti vakuru vaipinda vari vana kana kuti vashanu. Vachipinda vakuru ivo vari vashanu, imi mamuchiridza muri makumi maviri imimi, hamuridzirane nevanhu ivavo. Vairidza.
Saka inini ndanga ndakuda kuzoendeswa naVaMukwani. VaMukwani vakanga vari vekwaNyandoro, vaitwa baba navadzimai vangu. Ehe, saka vadzimai vavo vakanga vari hanzvadzi yaBandambira. Ehe, vadzimai vavo manje ndoambuya vedu isusu, ambuya vababa. Ndovakanga vaine ukama navadzimai vaani? VaBandambira. Saka ukama hwanga uripo.
Ndovakazoita kuti ndinyatsoridza mbira chaizvo chaizvo. Ivavo vaindidzidzisa kuti, “Kana uchiridza wakadai, uchishaura wakadai, unoshaura dzepamusoro nedzepasi, uchiita saizvozvizvi. Kuno uko nhetete unochinjinura nokuti kana wava kurova uko, nhetete dzako dzinofanira kuve dzinodii? Dzinoteverwa neari kutsinhira uko. Ehe.
Asi mabass enyu kana muchiridza, aya madhadha aya anenge achidii? Achiita kuti uzive kuti ari kushaura ndiani, ari kutsinhira ndiani, haumuzive. Asi zvinenge zvichifamba zvese zvakadaro. Asi ivo vanenge vachiziva zvavo kuti uyu ndiye ari kushaura, uyu ndiye ari kutsinhira, uyu ndiye ari kushaura, uyu ndiye ari kutsinhira.
Vadzimai vavo vakazobvawo kwaNyandoro, vakauyawo nekumba kwedu kuHighfields uko. Ndovaipoterwa naNegondo vacho. Saka ndovakandiudza kuti midzimu yechikadzi inonzi mazenda, mhondoro dzechikadzi. Nokuti vaiti ivo, “Isu tiri mazenda, saka tinofamba pamwechete nei? Nemakombwe acho iwayo.” Ehe, saka ivo ndivo vakandiudza.
Vakambouya tikagara navo mwedzi wese. Havaibikirwa, vaibika vega. Pavanogara ipapo hapasvike munhu mukuru, hapasvike mwana mudiki. Kunze kwaGaradziva chete, nokuti aisvika ipapo, orara pamagumbezi avo. Orara zvake ipapo. Saka taimuti, “Ko mwana iyeyu, chii chiri kumboitika?” Tovadaidza kuti, “Ha, uyai muone muzukuru wenyu wadii? Ari pamagumbezi enyu, iye akatorara zvake.” Vosvika vomuti, “Ha, ibva shamwari. Chibva. Zvakwana!”
Obuda zvake ava kuseka, ava kuenda. Aive nemusikanzwa iye Garadziva! Zvino haaitoreka manje. Akaenda ipapapo munotongosiya akadaro. Haatoreka, anotobva ega. Vaiti, “Musiye, munhu wangu.” Saka panguva iyoyo ndopaakanga akuridza Dhongi Mombe Mbudzi, ari mwana mudiki ane makore mashanu. Akanga akuridza Dhongi Mombe Mbudzi. Saka vaingotiwo munhu wavo.
Vakazobva vachienda uko, ndokuuya varume vavo. Ndovatikazogara navo mwedzi mitatu. Pamwedzi mitatu iyoyo tairidza mbira zuva nezuva, kubva Monday kusvika Monday iri mbira chete, tichiridza.
Saka ivo manje pavakauya, vakanga vachirwara. Vakarwara. Vaiti ivo, tikawaridzira magumbezi mukitchen, towaridzira, vobuda usiku voenda panze. Nokuti ndopaibikirwa, saka paive nemoto. Ndaingotsvaga huni ndichiuya nadzo, matanda ndichiisa ipapo. Saka ivo manje vaienda kunorara kupi? Kumoto, sevanhu vanga vakura.
Ndikati, “Ha, hazviite izvi.” Ehe, ndikati kumadzimai, “Ha, baba venyu havasi kurara mumba umo.” Zvikanzi, “Ha! Ndakavawaridzira.” Ndikati, “Havasi kurara mumba, vari kurara panze apa.” Zvikanzi, “Ha, kunyeba.” Nokuti nguva yatisati tamuka isusu, vodzoka nemagumbezo avo, vorara kupi? Mumba.
Ndikati, “Teererai munzwe, baba venyu vari kubuda iye zvino izvi, vari kuenda panze.” Ndobva vabvunza mangwana kuseni, zvikanzi, “Ko, baba, ko mukapondwa muno, makarara muno muhedge? Kuside kweroad kunopfuura vanhu vakawanda, zvinozoita sei?” Zvikanzi, “Ha, ndinenge ndichida zvangu moto, kuti ndirare ndichidziya moto zvangu.” Ndikati, “Ha.” Ndozotaurirana naVaChihoro, ndikati, “Ha, baba venyu vari kurwara.” Ndokuti ivo vakazotaura ipapapa kuti, “Ehe, sekurwara kwandiri kuita uko.”
Vadzimai vangu vakauya vachiti, “Ha, takuchikutora.” Ndobva varamba vachiti, “Aiwaka, pano pamba pemukwasha, handidi kupa mukwasha dambudziko rekunditakura kundiendesa kumusha.” Saka ndobva vandidzora.
Ndozotaurira vanhu vacho, mumwe mwana wacho ndobva vavatora ndokuvaendesa kuhospital rekugomo, kuHarare Hospital. Uyu mumwe wacho mukuru aive poacher aibata fish mudam ndobva azvinzwa, ndobva auya, ndokutora baba vake, ndokuvaendesa kumusha. Ndobva vaita masvondo maviri, ndobva vafa.
Tikaenda uku tikavachema nembira, tichiridza mbira. Ndobva vazovigwa zvavo, ndobva tadzoka kuno kuHarare. Vaigara kwaMusami. Toenda patownship inonzi Pamahowa, ipo Pamahowa pacho pane misha inonzi yekwaMushinga, ndopavaigara ipapo padhuzi.
Saka ndovanga vanditi ivo, “Ndikaita zvakanaka toenda newe kupi? KwaAmbuya kwaNyandoro.” Nokuti munhu wese aiziva kuridza mbira aibva kwaNyandoro. Nokuti kwairidzwa naBandambira, naVaMukwani, navamwe vainzi VaMaichesa.
Kwozouya VaGwanzura, VaGwanzura ndovasekuru vaSekuru Gora, ehe, vainzi VaGwanzura. Kwozoita vamwe vainzi VaMutinhima naVaMukwenha. Vese ivavo ndovanhu vaidii? Vaive vakuru vacho vairidza mbira zvinhu zvakapfuurira, vachiti vakapinda ivavo vakadaro kunoridzwa mbira.
Zvino ivo vakanga vati ivo ini handipinde nevanhu vaduku. Ndaisvika, ndotomborara zvangu. Panguva inenge yakudaidzirwa kunzi, “Ngavachipinda manje vaye vaye vakuru vakuru. Ambuya vakuda kuzodii? Kuuya,” ndopinda nevakuru vakuru vacho, toridza nevakuru vacho.
Ndingati VaMukwani ndovakanyanya kundigadziridza maridziro pambira idzodzidzi. Ha, vakandigadziridza. Zvokuti ndotoziva pese pese, panopinda mbira yese yese ndinopaziva. Dzimbo dzese idzodzidzi ndinoziva. Kana vana ivavo vaitozouya vachida kudzidzira futi kwandiri. Ehe, vana vaVaMukwani ivavo. Ndakamboridza nemumwe aingogona kushaura chete. Ha, murume aiimba iyeye. Aiimba zvimwe zvinotyisa.