Muridzi ndiTute Chigamba, dambarefu rinonzi Yangu Ndega
Chandide, ndorumbo ruya ruya rwatoita kuti Shanje ruya ruya. Mukadzi mudiki ndiye anenge ava kunzi Chandide. Ehe, ndiye ari kudiwa uyu. Saka paanozourayawo huku ine ronda baba havachaendaka uko, vava kudzokera kunaVakuzanga. Ndopavanoti, onzi, “Vakauraya huku ine ronda.” Uyu oti, “Dzangu dzichakurawo, dzichiri pamazai.” Saka ava Vakuzanga manje, ndopaanozowanawo murume ava kuchiuyawo kuno uku. Oziva kuti, “Uko ava vakauraya huku ine ronda.” Ehe, vava kumazuva avo, hakuchisina bonde.
Saka Chandide neNhema, ndopadzimbo mbiri dzeshanje dziya dziya. Nokuti ava vakagumburisana, ava vakuru vacharwa. Kurwisa munin’ina uya uya, mukadzi mudiki, anomurwisa. Asi kana vari vanhu vanowirirana, hapana kurwa. Asi vanenge vachingorwadzikana zvavo neshanje dzavo mumoyo. Onzi, “Ah, vari kuenda kutaundi, ko ndikadai ndirini ndaienda kutaundi. Zvino vari kuenda naamainini. Hazvina kunaka izvi.” Asi zvinenge zvichingodii? Zvichingovabaya mumoyo.