Mutendamambo, baba vangu vakafa. Kufa kwakaita baba vangu, ndobva vakasara vanin’ina vangu inini. Pana uyu Palmer naWalton, ndovanhu vakanga vari pamusha, vari vana vaduku. Saka vanhu vaitarisira kuti pamwe vana vachasara vachitambudzika. Havakwanise kuzorima here? Asi zvakaita kuti vakarima.
Saka kurima kwavakaita kuya kuya, ndobva ndasvika, ndokuona, “Ah, vakomana, makarima kudai?” Zvikanzi, “Ehe, takarima.” Ndikati, “Ah, apapa tinototenda Mambo kuti Mwari akaita chii? Akaita basa kuti mushande, muwane zvamawana.” Ndopakabva rumbo rwekuti Mutendamambo ipapo, ndichibva ikoko kumusha ndichidzokera kuno uku ndopakauya rumbo rwacho. Ndobva ndatanga kudii? Kuridza.