Varidzi ndeveMhuri YeKwaChigamba
Ngozi Yemuroora ndakaicomposa ndiri kuDarwin. Ndaifanira kuiti Shumba Yemukwasha, ndobva ndaona kuti Shumba Yemukwasha iriko inotaura nezvemukwasha. Kwozoita kuti munhu wechikadzi tinoona paine Shanje chete. Ko akakanganisirwa anoitwa sei?
Ndobva ndaiti Ngozi Yemuroora nokuti vanhu vachikadzi, pane zvakawanda zvinoitika kana maroorwa. Ehe, munoshungurudzwa nemadzitete, munoshunguradzwa nevaramu, kana vamwewo vanhu vemumusha vanokushungurudzai. Ko, kana mashungurudzwa imimi, munozvitaura muri kupi?
Ndobva ndati, “Aiwa, toda kuzvitaura iye zvino izvi parumbo.” Ndobva ndaisa chii? Ngozi Yemuroora. Saka iyoyi yakandibatsirawo kuti ndakaona zvakawanda pakuridzwa kwayo, nokuti vamwe vanhu vakachema so, vachichema ndichiiridza so. Havana kuziva kuti ko chii chakaitika pandikaitanga ipapo. Ndakazovataurira nhoroondo yacho so, matangiro ayakaita.
Ndainge ndisati ndavaka dzimba dzangu kuya kuya kuRushinga. Ndaigara kumba kwanatsano, hanzvadzi dzaVaChihoro, ndokwandaigara. Saka ndakarariswa muimba yaivakwa, yakaswera ichivakwa, imba iyoyo. Floor iya iya yakanga iri nyoro, ndobva vandiisira rukukwe imomo nemagumbezi, rimwe repasi nerimwe rekufuga, imomo munyoro imomo, ndobva ndikagara. Ndakagara so, ndobva ndatora mbira, ndava kuridza mbira. Ndopakauya Ngozi Yemuroora.
Ndikati, “Ha, rumbo rwandiri kuridza riri kunakidza chaizvo.” Ndobva ndamborusiya, ndobva ndarudzokorora futi, ndikati, “Ah, iye zvino izvi rwaita manje, ndava kugona manje kudii? Ehe, ndarugona, rwaita.” Mangwana acho ndopandikatsvaga kutsinhira, ndobva ndawana kutsinhira kwacho. Ndikati, “Rumbo urwu ndichanoruridza kana ndadzokera kuHarare.” Asi ndaive kuRushinga. “Kana ndaenda kuHarare ndicharuridza rumbo irworwo.” Ndobva ndadii? Ndaridza rumbo ruya, ndobva ndarara.
Mangwana acho, ndikati, “Rumbo urwu, ndoruti Shumba Yemukwasha here?” Ndikati, Shumba Yemukwasha iriko.” Ndikati, “Aiwa, zviri nani kutaura nezvei? Nezvemuroora.” Ndobva ndaisa kuNgozi Yemuroora. Handina kuzoisa kunhingi, kuShumba Yemukwasha.