Varidzi ndiTute Chigamba, Irene Chigamba, Musekiwa Chingodza, naNgonidzashe Chingodza, dambarefu rinonzi Muzazananda
Mukai Tiende inodzidzisa vanhu kuti, “Usarare zvekurarisisa zviya,” nokuti kare vaive nehondo dzavo dzavaitirana dzemadzinza. Saka mukararisa zviya zviya, mukanzwa mumwe chete adaidzira kuti, “Mukai tiende,” kureva kuti kwaipa. Imi modii? Momuka, moenda. Saka inenge ichiyeuchidza, Mukai Tiende. Kuyeuchidzwa.
Zvakafanana nekuti ndiri kubuda panapa. Vana vese vari pano, ndinofanira kuziva kuti vana vese vamuka here? Vabuda here mudzimba? Varipo here? Ndiri kubuda. Hapana ari kurwara here? Ndosimuka, ndoenda. Ndikangobuda ndisati ndaziva izvozvo ndozodzoka onzi, “Mwana tamuendesa kuhospital, arara achirwara.” Handina kunge ndazviziva ini. Asi tinofanira kudii? Kumutsana kuseni kuti, “Mamuka sei?” “Mamuka sei?” Mumwe anomuka achirwara, iwe hauna kumumutsa kuti “Mamuka sei,” watokanganisa. Ehe, ndosaka zvichinzi Mukai Tiende.