Tute Chigamba vanoridza chimbo chavo chinonzi “Madzinza Ese Anondifarira”
Ndaiba gitare rababa, rababamudiki. Babamudiki ndovairidza. Saka ndakaba gitare racho iro, ndobva ndaridza. Saka pandikatanga kuridza, ndakaridza rumbo rwavaida maningi. Saka zvakaitika manje, ndaiti ivo vakaenda, ndopinda mumba ini, ndotora gitare, ndoridza. Ivo manje vaiti kana vadzoka, vouya voridza gitare ravo, ini ndichinzwa. Voridza, ndichinzwa. Saka ini ndaizotorawo ndichiridzawo manje, zvavaita izvozvo.
Saka rimwe zuva, ivo vakanga vasipo. Madzimai vavo ndobva vauya. Vakanzwa, ah, mumba muri kuridzwa gitare, vachifunga kuti pamwe murume vavo ari imomo. Kusvika kupinda muye, ndokuona kuti, “Ah, mwana ari kutoridza zvake gitare.” Ndobva vapinda, ndobva vaita zvavaita, ndobva vabudawo, ndobva vaenda. Havana kutaura, vakangonyarara, nokuti hiii! Babamunini vairova. Ehe, vairova.
Saka,tobva tagara svondo rimwe chete. Ndobva ah! Mai vaye, kuti varege, kuti mwana anoramba achizonotora gitare, akazowanikwa, anorohwa. Saka ndobva vataura, zvikanzi, “Ah, pane mumwe mwana anoridza gitare.” Zvakanzi, “Mwana anoridza gitare?” Zvikanzi “Ehe.”
Ah, manje tobva tadaidzwa tese manje. Taive tiri vatatu, nokuti pane mukoma, kwozoita ini, kwozoita munin’ina. Saka tobva tadaidzwa, tobva tagara. Taigara takaunga so, tiri vatatu. Nokuti taingogara tichingorohwa tiri vatatu. Mudhara wacho airova!
Saka zvikanzi, “Pane anoridza gitare here apa?” Hii! Hapana anodaira manje. Tese tava kutya kuti tinorohwa tikati, “Aiwa, vamwe havaridze ava, ini ndini ndinoridza.”
Zvikanzi, “Aiwa, handina zvandinomuita. Ndangoda kuti ndizive chete kuti pane anoridza gitare?” Ndobva ndati, “Ndini.” Ndobva vandipa gitare racho, ndobva ndaridza rumbo urworwo rwavari kuda. Zvikanzi, “Ndiwe mumwe chete wandinobvumira gitare rangu.”
Saka ivo manje, vakadii? Vakaridzaka, pamwe rinogona kurasa tuning. Ini ndosvikawo, ndoridza ini, ndoona rakarasa, ndotuna. Zvino ivo manje, vaienda, vaifamba kunotunisa gitare. Saka inini ndaiti ndikasvika, ndikawanawo risina kuita tune yakanaka, ndodii? Ndotuna.
Zvino ivo, ndobva vauya, varidza, vaona gitare rine tune iri right. Ndopavakazondibvunza kuti, “Unogona kutuna here?” Ndikati, “Ah, ndinoyedza.” Pavakamboda kuti vaprove kuti ndini, vakambosiya risina tune, dzimwe waya dzese dzarasa tune. Ndakasvika, kuridza so, “Ah, gitare iri harisi kumboita.” Ndobva ndatanga kutuna, ndobva ndaridza. Ivo ndopavakadzoka manje vakasvikoona gitare rakatunwa, vakati, “Ah, no, regai ndibvunze mwana uyu kuti ndiye ari kutuna here?”
Ndobva andibvunza kuti, “Unogona kutuna here?” Ndikati, “Ehe, ah, ndinomboedza.” Zvikanzi, “Oh, alright.” Ndobva vandipa, ndobva ndaridza, ndobva ndaridza, ndikati, “Harina tune.” Ndobva ndatuna. Zvikanzi, “Ha! Ini ndaifamba kuenda kure kure kunotunisa gitare, iwe uri pano, iwe unogona kutuna. Saka handichaenda ikoko. Handichaenda ikoko futi, havachandiona futi. Kuno uku ndava nemunhu anonditunira gitare.”
Ndaingonzi ndifudze mombe, ndobva ndaita zvekutiza manje, ndobva ndaenda manje kunodzidza. Ndakazonoridza ndiri pachikoro futi, nokuti paive nemumwe mukomana aive neguitar, aiuya naro pachikoro. Saka taiti pabreak paya apa toenda musango, toridza. Tobva ikoko bhero ikarira, todzokera kuclass. Patinokumuka otakura guitar rake, oenda naro.
Pandikabva pachikoro ipapo handina kuzoridza guitar futi. Ndobva ndazogara, ndikabva apo, ndikauya muno mutaundi. Handina kumboridza guitar. Ndakazoridza guitar na1962, rainge riri remunhu akangouyawo naro, ndobva ndangoridzawo kwenguva shomanana, ndobva ndazvisiyawo. Kubva ipapo, handina kuzoridza gitare kusvikira ndakazotanga zvakare muna 1998.