Sekunzwa kwandikaita ndichibvunza midzimu, vakatiwo mbira vainzwa mumhanzi wairidzwa pakati pegungwa, padombo. Saka nokupfuura kwavaita ipapo vaingonzwa mumhanzi uchingorira. Saka ndobva vasarudza kuti “Ah! Tingagadzire chii chiridzwa chatingagadzire, chingatowirirane nemumhanzi watiri kunzwa?” Ndobva vagadzira chiridzwa chembira.
Chiridzwa ichi chembira chakatanga kari karimba kane minzwa inokwana mitanhatu. Saka vakaridza, vakaridza, ndobva vawedzera mumwe wechinomwe. Saka nokuenda kwenguva, zvinoenda nekuimba kwamunoita. Munenge makutsvaga mimwe minzwa inowirirana neizwi, kuti ukakwidza izwi, apa panoda kuenda minzwa. Ukadzikisa zvakanyanya, wototsvaga mumwe munzwa wakadii? Wakadzikawo.
Saka ndokuramba vachiridza. Saka kuridza kwavaiita ikoko, ndopavakazoti vakuwedzera-wedzera, kusvikira karimba kaita minzwa gumi nemishanu. Vamwe ndobva vawedzera kuita gumi nemipfumbamwe.