Baba vangu zvavaiita, kana vachibva kudoro, vouya vakadhakwa zvavo, voti:
Nhai, Zaranyika
Waiti kune rima
Zvino ndauya nepi?
Vosvika zvavo vachiimba, vachiimba, kusvika vasvika pamba. Toziva kuti baba vadhakwa ava. Kana vasvika ipapo, vaituma munin’ina wangu Palmer, saka vaimuti “Munhukwaye.” Onzi, “Munhukwaye!” Odaira. Onzi, “Enda unomona mudzanga wefodya.” Ndokuputa mudzanga wavo. Apedza ipapo, nguva yacho iyoyo, vobva vadii? Votora mukube wavo, vava kuridza.
Tonakidzwa, tonakidzwa, tonakidzwa, nokuti baba vangu vanga vasingataure-taure, vakanga vakanyararisa zvokuti. Vakanga vakanyararisa zvokuti kana mugere navo so, vasina kunzwa, hamuna chamunotaura. Kana mukataura zvinonakidza sei, vaingoseka zvavo, vongoti, “Ehe,” zvatokwana izvozvo, vatoseka. Saka, vanga vari munhu vasingataure-taure.
Saka vaiti vakazotora mukube manje vakadhakwa kudaro so, ah, maifana kuseka. Vachikutaurira izvi zvinonakidza, vachidii, ah, ndibaba ava nhai? Voridza mukube wavo, vopedza, vava kuenda kunorara. Mozovaona mangwana.
Uyu mukube wandinawo wakanga uri wokungoti chete, ndofana kuchengetedza instrument yababa vangu. Ndofana kugara ndiinayo mumba. Saka ndopandautsvaga, ndokugara nawo. Iye zvino izvi wapinda parecording! Baba vangu vauya, vasvika!