Kune vamwe vasinganzwe rhythm yengoma. Anongotamba chete. Asi mukaisa hosho nemakwa, anogona kutamba manje. Anotamba akateerera rhythm yemakwa nehosho. Iye yengoma anenge achiziva kuti ari paassistence yei? Yemakwa nehosho. Nokuti ngoma dzine mamwe mabeats akati wande. Zvokuti hauzozive kuti gumbo rangu rinopinda papi.
“Tanda Shiri We,” rwiyo rwehumbekumbe rwakaridzwa neveChitsiga Drummers & Singers of Guruve padambarefu rinonzi Chitsiga – Drummers & Singers of Guruve, 2010
Saka wehosho manje, ndiye anenge achiverenga mabeats ese, ndiye anobata manje mabeats ese. Ndiye anozoita kuti iwewe utambe futi. Ehe. Maona? Nokuti hautambe zvakafanana nengoma zviya. Asi unenge une beat yako, yaunenge uchitamba nayo.
Pane ngoma inoita kuti iwewe utambe futi, sezvakaita mutumba uyauya. Unoita futi kuti iwewe upinde mubeat yekutamba. Nokuti tudiki tuya tuya tune machanges anoitika muya muya akawanda-wanda maningi. Saka iwe unenge wakungoteerera huru. Asi kana uri muzivi wengoma, uchikwanisa kuridza ngoma, unogona kupinda beat rekaduku, nokuti unogona kuridza ngoma. Unoziva kuti beat rangu pandotanga, ndotanga zvakati. Ndopanopinda gumbo rangu pakutamba, ipapa.
Kana hosho. Zvino tikatora manje kuti, toti tatora vanhu vari kuridza tungoma tudiki chete so, vanhu vanotora nguva kuti vatambe, kana pasina hosho. Nokuti havakwanise kupinda mubeat racho. Asi munhu anoridza ngoma, akasvika, anotamba. Nokuti anoziva matangiro anoita beat racho.