Chakwi ndombira dzatinoridza dziya dziya, dzeNyamaropa. Ichakwi. Pane mashave anonzi machakwi. Anonzi mashave achakwi, mashave achakwi anoridzirwa hosho. Hosho inenge ichiti “cha-kwi, cha-kwi, cha-kwi, cha-kwi.” Saka ndomashave acho, anachakwi iwaya. Saka mbira idzi, vaiti chakwi kuteerera hosho. Ndosaka mbira idzi dzichinzi ndedzaachakwi. Dzinonzi mbira dzaachakwi. Dzingonzi ndedzemhururu futi, nokuti dzinopururudza.
Anachakwi akasiyana. Rinogona kuita renjuzu, rinogona kuita riri shavewo, enhingi, enyoka ayaya, emadzukwa, anonzi madzukwa. Saaka iwayo manje mashave, anenge achinzi machakwi iwayo. Asi rebveni, ah, shave rebveni rakasiyana manje. Rakasiyana.
Nyoka dzinosvika pavanhu dzichirapa ishato. Ndodzinodii? Dzine mweya inogona kusvika pamunhu, nokuti shato inyoka inoera muno muZimbabwe. Haibvumirwe kuurayiwa, aiwa. Inourayiwa kana yapanduka zviya zviya. Ukaona shato ichiuya ichidya huku, unobvumirwa kuiuraya. Ehe. Kana ichingouyawo zvayo ichoonekwa isinga chainodya hamuiuraye, munongoisiya.
Inhatu nyoka dziya. Pane imwe yatinoti kangamuti. Iyoyo ibvumburupfumburu, ine musoro webhuruu redenga. Saka kwozoita tsanganyoka, ine mitsetse michena. Tsanganyoka hairume munhu. Inogona kuuya muno umu, inogona kugara muno umu. Usatye, hairume. Kunyanya hausvike padhuze nayo, inotiza. Zvino kangamuti inogona kuuya kana pauri so, yofamba so. Yakareba, kukura kudai so. Iyoyo ine musikanzwa zvokuti, inogara padhuze. Uri pasi pemuti so, inogona kubva mumuti uyauya, kukudonhera! Asi hairume. Ukangoiziva chete worega, inobva yega ichienda.
Kana uine shave reshato, rinorapa. Rinotsvaga mushonga richirapa. Renjuzu rinorapa, asi rimwe harirapa. Pane njuzu dzinorapa, pozoita njuzu huru dzinofamba nemakombwe, dzinofamba nemhondoro. Saka njuzu huru idzodzo ndodzinobatsirana nemhondoro kunonayisa mvura. Saka idzodzo, kazhinji hadzirape. Dzimwe diki dziya dziya dzinorapa, asi kurapa kwadzo, hadziise mabasket mumba emushonga.
Toti ndini ndine shave racho. Kana ukasvika uchirwara, ndoona kuti, “Ah, uri kurwara.” Munongondiona ndasimuka so. Ndoenda kunosvika kuna Manyame, ndosvika, ndopinda mumvura. Pasi pemvura ndonotora mushonga, ndouya, ndokurapa.
Ndakurapa, inini handizviziva kuti ndiri kukurapa. Shave iroro ndorinenge riri pandiri. Ndorinoenda kumvura kunotora mushonga richidzoka. Haritore nguva yakareba, nenguva shomanana rinenge radzoka nemushonga. Wopiwa, woudzwa kuti woita zvakati, zvakati, zvakati kana uchidya mushonga wacho. Wodya. Zvapera izvozvo, shave rinoenda.
Ndosara ndoti kuna vanhu ava, “Moita seiko? Sei makangogara muno?” Kuti, “Ah, vagadzirwa zvavanga vachida.” Saka ava manje vanozondiudza kuti, “Panapa auya achirwara zvakati zvakati zvakati, apiwa mushonga anzi anonoshandisa zvakati zvakati zvakati.” “Ho, ha, zvakanaka! Handizvizive, ndanga ndisingazvizive.” Ndozvinoita shave renjuzu.
Pane mashave akasiyana-siyana. Pane mashave enjuzu, pane mashave epamfeni, pane mashave enyoka. Shave rebveni rinogona kuenda kunochera mushonga musango, rinogara nemushonga mumba. Renyoka rinogara nemushonga mumba, renjuzu harigare nemushonga mumba. Ndomachakwi iwayo. Anosiyana-siyana mashave.